Psalms 42

BHUKU 2

Mapisarema 42–72

Kumutungamiri wokuimba. Rwiyo rweMasikiri rwaVanakomana vaKora.

1Senondo inodokwairira hova dzemvura,
saizvozvo mweya wangu unodokwairirai, imi Mwari.
2Mweya wangu une nyota kuna Mwari, nyota yaMwari mupenyu.
Ndingaenda riniko kundosangana naMwari?
3Misodzi yangu yanga iri zvokudya zvangu
masikati nousiku,
asi zuva rose vanhu vanoti kwandiri,
“Mwari wako aripiko?”
4Ndinorangarira zvinhu izvi
pandinodurura mweya wangu,
mafambiro andaiita navazhinji
ndichitungamirira mudungwe wavanhu kuimba yaMwari,
nokupembera nomufaro uye nokuvonga
pakati pavazhinji pamutambo.

5Wakasuwireiko, nhai mweya wangu?
Unotambudzwa neiko mukati mangu?
Isa tariro yako muna Mwari,
nokuti ndichamurumbidzazve,
Muponesi wangu naMwari wangu.

6Mweya wangu wakaneta mukati mangu;
naizvozvo ndichakurangarirai
ndiri kunyika yeJorodhani,
pamatunhu akakwirira eHeremoni, kubva paGomo reMizari.
7Pakadzika panodana pakadzika
mukutinhira kwamapopopo emvura;
mafungu enyu ose namafashamu
akapfuura napamusoro pangu.

8Masikati, Jehovha anorayira rudo rwake,
pausiku rwiyo rwake runeni,
munyengetero kuna Mwari woupenyu hwangu.

9Ndinoti kuna Mwari Dombo rangu,
“Mandikanganwireiko?
Ndinofambireiko ndichichema
ndakadzvinyirirwa nomuvengi?”
10Mapfupa angu atambura nokurwadza kworufu,
sezvo vavengi vangu vachindizvidza
zuva rose vachiti kwandiri,
“Mwari wako aripiko?”

11Wakasuwireiko, nhai mweya wangu?
Unotambudzwa neiko mukati mangu?
Isa tariro yako muna Mwari,
nokuti ndichamurumbidzazve.
Muponesi wangu naMwari wangu.
Copyright information for SnaBDSC